Accessibility links

Breaking News

VaDonald Trump Vosvika Gore Vachitungamira Nyika yeAmerica


VaDonald Trump vachitora mhiko yekutungamira America
VaDonald Trump vachitora mhiko yekutungamira America

Zviuru nezvezviuru zvevanhu zvaratidzira mumaguta akasiyana siyana eAmerica zvichiratidzira kusafarira mutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vakasvika gore vari muhofisi nemusi weMugovera.

Madzimai Ofora achiratidza kusafarira VaTrump
Madzimai Ofora achiratidza kusafarira VaTrump

Asi vatsigiri vaVaTrump vari kushora vanhu vari kuratidzira ava vachiti havana kufara nekuti Amai Hillary Clinton vemaDemocrats avo vaitsigira musarudzo dzemutungamiri wenyika vakakundwa.

Mukuru weSangano reCentre for the Study of Presidency and Congress vakaudza VaDan Mahafee Voice of America kuti muAmerica mune kunetsana kwakanyanya pakati pemaRepublicans nemaDemocrats. Vanoti kusawirirana uku kwanyanyisa pasi pehutongo hwaVaTrump.

Ongororo yakaitwa neWashington Post/ ABC News svondo rino inoratidza kuti munhoroondo yeAmerica VaTrump ndivo mutungamiri wenyika asingadiwe nevanhu vakawandisa.

Vanhu vachiratidzira kusafarira VaTrump
Vanhu vachiratidzira kusafarira VaTrump

Vanhu makumi matatu nemasere kubva muzana ndivo vanoti VaTrump vari kuita basa rakanaka. Kunyangwe vamwe vatsigiri vavo vachitendawo kuti VaTrump havana kukodzera kutungamira, vamwe vacho vakaita saVaEugene Bourque vekuColarado vanoti vano vatsigira nekuti vanorwira kodzero dzevechiKristu uye dzevemabhizimisi.

Mutauriri waVaTrump Amai Sarah Huckabee Sanders vachitaura paGeorge Washington University muWashington DC vakati kunyangwe hazvo VaTrump vachidiwa nevanhu vashoma munhoroondo yevatungamiri venyika yeAmerica, zviri nani nekuti vatori nevakavanda vane chivimbo chavo kudarika dare reCongress.

Mutsigiri waVaTrump
Mutsigiri waVaTrump

Amai Huckabee Sanders vanoti chinopa kuti VaTrump vasadiwe nevanhu vakawanda inyaya yevatori venhau vanonyora nhau dzakaipa pamusoro pavo.

Muzvinafundo Theodore Glasser vepaStanford University vanoti VaTrump vanoshandisa dandemutande reTwitter nenyaya yekuti havafarire zvinonyorwa nemapepanhau. Vanoti havasati vamboona mutungamiri wenyika akarimirana kumuganhu nevatori venhau saVaTrump.

Ko Zvii Zvakaitwa naVaTrump Vachitungamira Nyika?

Vebato remaRepublicans vanoti VaTrump vakabudirira kusarudza mutongi wedare reSenate anokoshesa zvido zvebato ravo. Vanotiwo vakabudirira kugadzirisa nyaya yekuvandudza nyaya yemitero kana kuti Tax reform.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Asi Amai Sarah Huckerbee Sanders mutauriri waVaTrump vanoti vakabudirirawo mukusimbaradza nyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika dzakaita seJapan neChina kuti dzitsiurewo North Korea iyo inogara ichinetsana neAmerica nenyaya dzezvombo zvemhando yenuclear.

VaTrump vanotiwo paTwitter vabudirira kupa kuti hupfumi hwenyika hunge hwakasimba vakawanda vachikwanisa kuwana mabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG