Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vokurudzirwa Kugadzirisa Dambudziko reKushomeka kweMari muNyika


Gavhuna John Mangudya
Gavhuna John Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vari kutarisirwa mumazuva mashoma anotevera kuparura chirongwa chekufambiswa kwemari nehurumende kana kuti Monetary Policy Statement.

Kunyange hazvo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kupesana pane zvingaitwe naVaMangudya, vose vanotenderana havo kuti dambudziko rekushaikwa kwemari rinofanira kugadziriswa.

Vakuru vakuru muhurumende vanoti Doctor Mangudya, avo tisina kukwanisa kubata, vanofanira kuparura hurongwa uhu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasati vaenda kuDavos, Switzerland kumusangano wezvehupfumi svondo rinouya.

Musangano wekuDavos unoitwa kubva musi wa23 kusvika musi wa26 Ndira uyo unopindwa nevatungamiri venyika vakawanda.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti VaMangudya vane mutoro wakakura kuunza mazano anogadzirisa nyaya dzezvehupfumi zvikuru dambudziko rekushomeka kwemari.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wsangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze.

Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi vari mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti havaone paine chinobuda kubva kuna VaMangudya.

VaBiti vatiwo nyaya yemari ichanetsa kugadzirisa sezvo hurumende isina kuzvipira.

Ko mari dzinombonzi dzawanikwa nenyika kubva kubhanga reAfrieximbank?

Doctor Kanyenze vanoti zviri pachena kuti muromo hauzarirwe nerwizi.

Asi VaJokonya vanoti vanhu havasi kunyatsonzwisia mafambisirwo emari iyi.

Kuti zvinzi VaMangudya vabudirira, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti VaMangudya vanofanira kuparurazve kana kusuma hurumende mazano anopa kuti hupfumi hwenyika hugadzikane sezvo zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka munyaya dzezvehupfumi zvapa kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG