Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaita musangano nemutungamiri weAngola vanovazve sachigaro weSADC Troika, VaJoao Lourenco kuLuanda.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vaudza bepanhau reHerald kuti VaMnangagwa vari kuita hurukuro nevatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica uye vakatoita musangano nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.
Mashoko ari kubva kuAngola anoti vaviri ava vari kutaura nezvemamiriro ezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe uye nyaya yesarudzo dzichaitwa muZimbabwe mukupera kwegore.
VaMnangagwa vari kutarisirwa kuenda kuNamibia neMuvhuro vozoenda kuZambia, Botswana nedzimwe nyika uko vachaita zvakare misangano nevatungamiri venyika idzi.
VaMnangagwa vanonzi vari kuita misangano iyi kuti vatsanangure zvakaita kuti vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa uye kutaurawo nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi.
VaMnangagwa vaperekedzwa negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Retired Major General Sibusiso Moyo, VaCharamba, munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaPatson Mbiriri, uye munyori mubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko.
VaKembo Mohadi ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika.
Sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti zviri kuitwa naVaMnangagwa zvinhu zvakanakira nyika.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti VaMangagwa vanofanirwa kugadzirisa mhirizhonga iri kumboitika pano neapo munyika vasati vaenda kunze kwenyika. Asi VaMabenge vatiwo nematorerwo akaitwa chigaro naVaMnangagwa hazvishamise kuti vanoda kuti SADC ivatambire.
Facebook Forum