Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti Hurumende Iri Kutyora Kodzero Dzavo


Sangano rinomiririra vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET riri kushora zvikuru kwarinoti kushungurudzwa kwevanhu vanotengesa mumigwagwa mumaguta akaita seBulawayo, Gweru, Mutare neMasvingo.

Sangano iri rinoti rine humbowo hwekuti makanzuru aya ari kutevera kurudziro yebazi rezvematunhu kuti adzinge vanotengesa mumigagwa ava.

Sangano iri rati muguta reHarare chete mune vanhu vanotengesa mumigwagwa vanosvika zviuru makumi maviri uye vekanzuru nehurumende vanofanira kuremekedza zvavari kuita kuti vawane raramo.

VaTendai Reuben Mbofana vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Network for Social Justice vanoti hurumende inofanira kuremekedza kodzero dzevanotengesa mumigwagwa.

Hurukuro naVaMbofana
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG