Accessibility links

Breaking News

VaTrump Votarisirwa Kutaura kuDavos Switzerland Kunyangwe Maonero Avo Pakudyidzana Akasiyana neVamwe Variko


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa kutaura nhasi pamusangano wekuDavos uyu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti pane zinyeke nyeke panyaya yekuti maonero aVaTrump pakudyidzana nedzimwe nyika haafambirane zvachose nezviri kukurudzirwa kumusangano uyu.

VaDonald Trump nemutungamiri weIsrael VaBenjamin Netanyahu
VaDonald Trump nemutungamiri weIsrael VaBenjamin Netanyahu

VaTrumo vanoti mukudyidzana nedzimwe nyika America ndiyo inofanira kutanga yawana chouviri kana kuti America Furst.

Asi dzimwe nyika dziri kuDavos dzinoti nyika dzinofanira kudyidzana dzose zvakaenzana pachiitwa kandiro enda, kandiro dzoka.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari muzvinabhizimisi VaPromise Sande vatenda kuti gwara rinotorwa naVatrump pakudyidzana rinogona kupa kuti paite zinyeke nyeke pakudyidzana nedzimwe nyika panyaya dzekutengeserana

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG