Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti United Nations Inofanira Kupindira VaMnangagwa Vakada Kushandisa Mauto Kuvadzinga


Mauto eZimbabwe National Army
Mauto eZimbabwe National Army

Mukuru wesangano reVendors Union of Zimbabwe, VaStern Zvorwadza, vanoti havasi kuzovhundika mashoko ehurumende ekuti kubva nhasi vanenge vobviswa mumigwagwa mavanotengesera zvinhu nechisimba nemauto uye mapurisa.

Gurukota rezvematunhu, vaJuly Moyo, vakapa vanotengesa mumigwagwa ava mazuva maviri ekubuda mumigwagwa.

Hurumende iri kuchema chema kuti vanotengesa mumigwagwa vave kukonzera kuti mudhorobha musafambike uye mutange kupararira zvirwere zvakaita secholera netyphoid.

Asi vanotengesa mumigwagwa vanoti nyaya yekushaya mabasa ndiyo iri kupa kuti vagume vapinda mumigwagwa kuti vawane kuraramisa mhuri dzavo.

VaZvorwadza vanoti vanotengesa munigwagwa havasi kuzoregera mabasa avo.

Hurukuro naVaStern Zvorwadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG