Accessibility links

Breaking News

EU Yozeya Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muHurumende yeZimbabwe muna Kurume


Mutungamiri weEuropean Council VaDonald Tusk
Mutungamiri weEuropean Council VaDonald Tusk

Sangano reEuropean Union riri kutarisirwa mwedzi unouya kuti rizeyeye nyaya yezvirango zvakatemerwa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe nevamwe vavo muZanu-PF. Izvi zvinoitwa gore roga roga.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti zviri pachena kuti EU ichatanga yaona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena here.

Izvi zvinotevera mashoko emakurukota eEU ekuti vanoda kuona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena here uye kuona kuti haisi kutyora kodzero dzevanhu isati yagadzirisana hukama nayo.

EU yakatemera vakuru ava zvirango ichivapomera mhosva yekutonga nedemo. Asi veZanu-PF vanoti izvi zvakaitwa mushure mekunge vatora minda.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG