Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Musangano kwaMutare


VaChamisa, VaNcube naVaBiti

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, wakaita musangano wechipiri kwaMutare nemusi weSvondo.

Vatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa uyu` vange varipo vanosanganisa mutevedzeri weMDC-T VaNelson Chamisa vange vakamirira mutungamiri webato ravo VaMorgan Tsvangirai avo vasiri kunzwa zvakanaka, mutungamiri weMDC Muzvinafundo Welshman Ncube, mutungamiri wePDP VaJacob Ngarivhume nevamwe.

VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Vatungamiri ava vakasimbisa kuti vanoda kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena uye vakati vachada kusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vakazivisa kuti vachaita sarudzo dzakachena, asi vanopikisa vanoti pane zvakawanda zvinoda kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa uye mimwe mitemo yakaita sePOSA neAIPPA inofanira kuvandudzwa.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG