Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance uri kuita musangano kuEpworth paDomboramwari nemusi weSvondo kuyedza kutsvaga rutsigiro musarudzo dzinonzi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzinogona kuitwa mukati memwedzi mishanu.
VaMorgan Tsvangirai ndivo vakasarudzwa kumiririra mubatanidzwa uyu musarudzo. Asi parizvino muMDC-T mune kusawirirana sezvo vamwe vari kuramba kuti vaba
tane nemamwe mapato akaita sePDP neMDC inotungamirwa namuzvinafundo Welshman Ncube. Mumwe wevatevedzeri wemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa avo vati hurongwa hwemusi weSvondo kutanga kuparura zvirongwa zvakadai kune mamwe matunhu munyika.
Asi veAlliance vanoti mapurisa akavarambidza kuita musangano kuGlen View pasina chikonzero chakati tsvikiti. Hatina kukwanisa kubata mapurisa kuti tinzwe divi ravo.
Facebook Forum