Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoita Musangano neMutungamiri weMozambique VaNyusi


VaEmmerson Mnangagwa naVaFilipe Nyusi.
VaEmmerson Mnangagwa naVaFilipe Nyusi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuMozambique murwendo rwavo rwechina rwekusangana nevatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica kana kuti SADC vachitsanangura mamiriro ezvinhu munyika mushure mekunge vatora masimba vachibatsirwa nemauto gore rapera.

VaMnangagwa vaita musangano nemutungamiri wenyika iyi, VaFilep Nyuse, uye vaitawo hurukuro nevaimbova vatungamiri venyika iyi vanoti VaArmando Guebuzza naVaJoaquim Chissano.

VaMnangagwa pari zvino vakatoshanya kuSouth Africa, Namibia neAngola.

Mumusangano uyu vatungamiri venyika mbiri idzi vasimbisawo nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe zvimwe zvakurukurwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Victor Chimhutu, avo vanotungamira sangano reZimbabwe Yadzoka/Mayibuye IZimbabwe, vanoti misangano iyi yakakosha zvikuru kuna VaMnganagwa sezvo mauyiro avakaita pachigaro ange asina kunyatotarisirwa neSADC.

Hurukuro naDoctor Victor Chimhutu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG