Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Voita Misangano neMabhizimisi Kuti Aderedze Mitengo yeZvinhu


Retired General Constantino Chiwenga
Retired General Constantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Retired General Constantino Chiwenga, vatanga kuita misangano nevemabhizimisi nechinagwa chekuti mitengo yezvinhu izvo zvaramba zvichiita chamurambamhuru.

Mumwe musangano wakadai wakaitwa nemusi weMuvhuro umo VaChiwenga vakazivisa vakuru vemabhizimisi vakapinda mumusangano uyu kuti havaida vanhu vanofukura hapwa vachitaura nezvainge zvakurukurwa.

Vakatiwo mitengo yezvinhu zvakaita semupunga nenyama inofanira kuderera nekuti vezvitoro vari kuita mari yakawandisa mushure mekuzvitenga nemutengo uri pasi.

Asi vamwe vakapinda mumusangano uyu vaudza Studio7 kuti hurumende iri kubuda pachena kuti iri kuda kuti mitengo yezvinhu zvose idzike kunyange hazvo vemabhizimisi vari kuchema chema nerokuti vari kutenga mari yekuAmerica mumigwagwa nemari iri pamusoro zvakanyanya sezvo mabhanga emunyika asina mari.

Politburo yeZanu-PF ndiyo yakapa VaChiwenga basa rekuongorora mitengo yezvinhu iyi.

Hatina kukwanisa kubata General Chiwenga kuti tinzwe divi ravo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuda kumanikidza vemabhizimisi kuderedza mitengo hakushande sezvo zvakamboyedzwa kare zvikakona n'anga murapwa achida.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG