Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vakaudza dare reparamende kuti hurumende ichange ichitumira vanahutsana kumachechi, kurufu nepamwe pose panoungana vanhu zvikuru muChegutu nenzvimbo dzakapoteredza kuti vaona kuti chirwere cheCholera hachirambe chichipararira.
Vanhu vana vanonzi nehurumende vakafa nechirwere ichi uye vanhu makumi matanhatu nemashanu vanonzi vanifungidzirwa kuti vakatapurirwa chirwere ichi.
Doctor Fortune Nyamande vanoti zviri kutaurwa naDr Parirenyatwa panyaya yavana hutsanana ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa kuti cholera isapararire munyika.
Vakurudzirawo vanhu kuti kana vakafungidzira kuti munhu abatwa nechirwere ichi vamupe mvura ine munyu netsvigiri kana kuti "salt sugar solution" apo vanenge vachienda naye kuchipatara.
Facebook Forum