Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, Vashaya muSouth Africa


MDC president Morgan Tsvangirai
MDC president Morgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vashaya kuSouth Africa neChitatu mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara.

Mutevedzeri waVaTsvangirai, VaElias Mudzuri, vabvuma kuStudio7 kuti ichokwadi kuti mutangamiri webato ashaya.

VaMudzuri ndivo vakanzi vanotaura nezvehurwere hwaVaTsvangirai vakamirira bato.

Izvi zvatsinhirwawo nehama yepedyo yaVaTsvangirai iyo yati haikwanisi kutaura zvakawanda panguva ino.

VaMudzuri vati bato ravo rarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaTsvangirai.

VaTsvangirai, avo vakamboita mutungamiri wehurumende munguva yehurumende yemubatanidzwa pamwe nebato reZanu PF, vange vave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa.

VaTsvangirai vashaya panguva iyi mubato ravo muine makakatanwa ekuti ndiyani akafanobata chigaro chemutungamiri webato iri pakati paVaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri.

MDC iri kuita musangano wechimbi chimbi neChina muHarare wekuzeya makakatanwa ari mubato iri.

Vachinyora munganonyorwa yehupenyu hwaVaTsvangirai inonzi “Morgan Tsvangirai: At the Deep End, vaimbova mutauriri wavo, muchakabvu William Bango vakati VaTsvangirai vakaberekwa musi wa 10 Kurume 1952 kuGutu.

Baba vavo, VaDzingirai Chibwe Tsvangirai, vainge vari mugari wekumaruwa uye vachiveza uye mai wavo vainzi Lydia Tsvangirai.

VaTsvangirai ndivo vainge vari dangwe pavana vapfumbamwe.

Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda vasingadi kutaura nezvehurwere hwavo zvikuru zvirwere zvakaita segomarara, VaTsvangirai vakaudza Studio7 kuti vakabuda pachena nekuti vaida kuti mhuri yeZimbabwe inzwisise nezvechirwere chegomarara.

VaTsvangirai vakatanga nyaya dzekumirira vashandi kumugodhi weTrojan Nickel Mine uko vakaenda kunoshanda pamichina kana kuti plant operator mushure mekumboshanda pafekitari imwe vachiita basa rekutsvaira.

Panguva yavo kuTrojan Mine, Vatsvangirai vakatanga kufarira kodzero dzevashandi vakasarudzwa kuita mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Associated Mine Workers Union.

Mushure memakore matatu vakabva vasarudzwa kuita munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions.

Mumakore anosvika gumi akatevera, VaTsvangirai nevamwe vakaita samuchakabvu Gibson Sibanda vakazoshanda zvakasimba kuti ZCTU iite mutsindo munyika yose ichipikisa zvimwe zvaiitwa nehurumende yaVaMugabe zvaitsikirira kodzero dzemushandi.

Vakatungamira kuratidzirwa kwakaitwa mumakore a1997 kusvika muna 1998, vakatungamira kuratidzira kunotyisa kwakaitwa nevashandi nyika yose vachiratidza kusafara nemamiriro ehupfumi munyika.

VaTsvangirai vakazosiya chigaro chekuva munyori mukuru muZCTU muna 1999 vopinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kuumbwa kweMDC muna 1999

Vakabatanawo nemamwe masangano munyika kuti varwire kodzero dzevanhu zvakapa kuti vazoguma vaumba bato rinopikisa reMovement for Democratic Change muna 1999 vachitsigirwa neZCTU nesangano revadzidzi reZINASU nemamwe akawanda munyika.

VaTsvangirai ndivo vange vachitungamira bato reMDC kubva zvarakaumbwa. Vakakwikwidza musarudzo dzemuna

VaTsvangirai vakamboitawo sachigaro weNational Constitutional Assembly sasachigaro weTaskforce yesangano iri. Vakashanda nevamwe musangano iri vakaita saMuzvinafundo Lovemore Madhuku, Welshman Ncube, Everjoice Win, Brian Kagoro, Tendai Biti and Priscilla Misihairabwi.

NCA yakakunda hurumende yaVaMugabe musarudzo dzereferendum yebumbiro remutemo yakaitwa muna 2000.

VaTsvangirai vaigarawo vachisungwa nekupomerwa mhosva huru dzaigona kuti vatongerwe rufu kana kuti treason.

Muna 2001 vakasungwa vakapomerwa mhosva iyi pasi pemutemo weLaw and order Maitaninace Act vachinzi vaida kukurudzira vanhu kuti vapandukire nekupidigura hurumende yaVaMugabe nechisimba.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti vaipomerwa mhosva iyi nehurumende yaVaMugabe kuti vasakwikwidze musarudzo dzemuna 2002.

VaTsvangirai vakapinda musarudzo idzi asi havana kutambira zvakabuda vachiti dzakabirirwa uye dzaive nemhirizhonga inotyisa.

Nyika dzakaita seAmerica neBritain dzakabva dzatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango. VaTsvangirai vakasungwawo kakawanda vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura VaMugabe iyi asi vachingochenurwa nedare.

Muna 2005 mushure mekunetsana nevaive munyori mukuru webato ravo VaWelshman Ncube, bato reMDC rakapatsanuka kekutanga.

Muhurukuro dzakawanda VaTsvangirai vakati kupatsanuka kwebato uku kwakavarwadza zvikuru.

Musi wa11 Kurume muna 2007, Vatsvangirai nevamwe vatungamiri vebato ravo vakaita saVatendai Biti nasachigaro weNCA VaLovemore Madhuku vakarohwa zvakaipisisa vari muhusungwa apo vaienda kuhurongwa hwekunonamatira nyika kuHighfield.

Muna 2008 Zimbabwe yakaita sarudzo dzakaonekwa sedzakachena nenyika dzakawanda zvakapa kuti bato reMDC rikunde Zanu-PF musarudzo dzenhengo dzedare reparamende.

Asi musarudzo yemutungamiri wenyika VaTsvangirai vakanzi vainge vatadza kusvika mavhoti aidiwa kunyange vainge vakunda VaMugabe.

Nekudaro pakanzi paitwe sarudzo yepiri yemutungamiri wenyika kana kuti election run-off. Sarudzo yepiri iri haina kuzoitwa nenyaya yemhirizhonga yakaona vatsigiri vakawanda vaVaTsvangirai vachirasikirwa nehupenyu zvakapa kuti vabude mukukwikwidza sarudzo yacho.

Hurumende yemubatanidzwa

Vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo vakave mutongi gava weSADC pagakava reZimbabwe kukazoguma kwaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009 VaTsvangirai vari mutungamiri wehurumende, VaMugabe vachiramba vari mutungamiri wenyika.

Hurumende yemubatanidzwa yakasvika kwamvura yacheka makumbo muna 2013.

VaTsvangirai vakashanyirawo nyika dzakawanda panguva iyi vachitambirwa segamba. Vakapihwawo mibayiro yakawanda kusanganisira kudomwa mumakwikwi eNobel Peace Prize. MaUniversity maviri ekuSouth Korea akavapawo ruremekedzo rwedoctorate.

VaTsvangirai vasiya vana vanomwe uye mudzimai, Elizabeth Macheka Tsvangirai, mudzimai wavo wekutanga, Amai Susan Tsvangirai kwemakore aidarika makumi matatu nerimwe, akashaya munjodzi yemumugwagwa muna 2009.

VaTsvangirai vakasara vakuvara mutsaona iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG