Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Voramba Kuti Varikuronga Kubatana naAmai Grace Mugabe neG40


Amai Grace Mugabe na Amai Joyce Mujuru (Collage by Ntungamili Nkomo)

Bato reNational People’s Party raramba mashoko ekuti mutungamiri waro, Amai Joice Mujuru vari kuda kuumba bato idzva rinopikisa nevaive mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.

Izvi zvinotevera mashoko akatanga kuburitswa nenhepfenyuro yeStudio 7 kuti Amai Mujuru vainge vaita musangano nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi wechipiri kumba kwaVaMugabe kuBlue Roof, kuBorrowdale. Bepanhau iri rakatiwo Amai Mujuru vaizoenda kuCape Town kuSouth Africa kunoita musangano nevenhengo dzeG40 mukuyedza kuumba bato idzva.

Asi munyori mukuru weNPP VaGift Nyandoro varamba mashoko ekuti Amai Mujuru vari kuSouth Africa kunoita musangano wakadai.

Vati Amai Mujuru vari kuSouth Africa kunoona hama dzavo nevamwe vezvematongerwo enyika asi havana hurongwa hwekunita hurukuro neveG40 vanosanganisa Muzvinafundo Jonathan Moyo, VaPatrick Zhuwao nevamwe.

Hurukuro naVaGift Nyandoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG