Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Levy Nyagura Vanosungirwa Huori paNyaya yeDegree raAmai Grace Mugabe


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Mukuru wechikoro cheUniversity of Zimbabwe kana kuti Vice Chanchellor Muzvinafundo Levy Nyagura vakasungwa nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori vachinzi vainge vapa Amai Grace Mugabe, avo vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe doctorate degree.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti Amai Mugabe vanogona kuguma vasungwawo nenyaya iyi.

Vanoona nezvekuferefetwa kwenyaya musangano reZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC VaGoodson Nguni vatenda kuStudio 7 kuti Muzvinafundo Nyagura vainge vasungwa.

Muzvinafundo Claude Mararike vanotungamira bazi reSociology kuUZ uye vakabatsira Amai Grace Mugabe mukuita zvidzidzo zvavo vanonzi vari kudawo kusungwa.

Vamwe vadzidzi vemubazi reSociology vakanyora tsamba kuZACC nekuna VaNyagura vachigunun’una nenyaya yekuwana degree kwaAmai Mugabe uku vachiti zvainge zvisina kujeka. Vadzidzisi ava vaigunun’unawo kuti kupihwa basa kwavaMararike kuti vatungamire bazi reSociology kwainge kusiri pamutemo.

Vadzidzi vanonzi havana kufara vanosanganisa Muzvinafundo Rudo Gaidzanwa, Dr Sandra Bhatasara, Dr Julius Musevenzi, Dr Watch Ruparanganda nevamwe.

Amai Mugabe vakapedza zvidzidzo zveDoctor of Philosophy mubazi reSocial Studies muna Gunayana 2014.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG