Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaTsvangirai Woonekana neVanhu keKupedzisira muHarare Vasati Varadzikwa Mangwana


Vatsigiri veMDC-T vachichema kumuzinda webato iri weHarvest House.

Mhuri yeZimbabwe muHarare nhasi iri kutarisirwa kuenderera mberi nekuonekana nemutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai avo vari kutarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuHumanikwa, Buhera mangwana.

VaTsvangirai vakashayikira kuJohannesburg South Africa nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekurwarwa nechirwere chegomarara.

Nhasi mutumbi waVaTsvangirai warara kumba kwavo. Usati wazoendeswa kumuzinda wavo weHarvest House vozoenda nechikopokopo kunoradzikwa. Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti pane mabhazi akawanda achatakura vanhu kuenda kuBuhera.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaendawo kumba kwaVaTsvangirai kuHighlands vakabatana nemhuri yavo kuvachema vachikurudzira vanhu kuti vabatane.

VaMnangagwa vakatendawo kuti VaTsvangirai avo vaimboshungurudzwa zvakanyanya nehurumende yeZanu-PF vainge vari munhu akafamba rwendo rwakaoma vari vapenyu.

Vanopikisa vanoti zvainge zvakaoma kuna VaTsvangirai sezvo vatsigiri vavo vamwe vakapondwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF. VaTsvangirai vairohwa nekusungwa nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG