Accessibility links

Breaking News

Dare Rozeya Nyaya Yekudzokorororwa kweBvunzo dze"O" Level dzeChirungu


Dare repamusoro reHigh Court nemusi weChipiri riri kutarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri neZimbabwe Lawayers for Human Rights neJustice for Children vachipikisa danho rakatorwa nebazi rezvedzidzo rekuti vana vose vakanyora bvunzo dze”O” Level Paper 2 vadzidzokorore musi wa 16 mwedzi uno.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kutanga kunzwikwa na 2 masikati. Nyaya iyi yange ichifanira kuzeyiwa nemusi weMuvhuro asi yakazonzi inzwikwe nhasi kuitira kuti magweta eZIMSEC neebazi redzidzo vawane mukana wekuunza mapepa ekupikisa kudare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG