Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Richard Tsvangirai vari kutarisirwa kuradzikwa nhasi kumusha kwavo kuHumanikwa, kuBuhera.

Mutumbi waVaTsvangirai wakasvika nechikopokopo chemauto nezuro ukarara kumusha kwavo. VaTsvangirai vakashaya vari kuJohanesburg, South Africa nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekurwarwa nechirwere chegomarara.

Zvichakadaro vaimbova mutungamiri wenyika yeKenya VaRaila Odinga vari kutungamira vanyarikani vakawanda vari munyika vari kuradzika VaTsvangirai. VaOdinga vakapinda munyika nezuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaRaila Odinga naVaNelson Chamisa
VaRaila Odinga naVaNelson Chamisa

Vamwe vatungamiri vebato raVaOdinga reNASA vange vachida kuenda kuZimbabwe vakarambidzwa nehurumende yeKenya kunyangwe hazvo dare repamusoro rainge ravapa mvumo yekubuda munyika.

Vanopikisa muKenya ava vari kunetsana nehurumende yemutungamiri wenyika VaUhuru Kenyatta avo vari kupomera mhosva yekubirira sarudzo.

Vatsigiri veMDC-T
Vatsigiri veMDC-T

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T VaNelson Chamisa vatenda kuti VaOdinga vari munyika uye vakavaatambira kunhandare yendege. Pane mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogona kuendawo kuBuhera kunoradzika VaTsvangirai.

Asi hatina kukwanisa kubata mutauriri wavo vaGeorge Charmba kuti tinzwe kuti ichikwadi here. Asi t gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti zvakakosha kuti parufu paite runyararo sezvaidiwa naVaTsvangirai muhupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG