Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosangana naAmai Mujuru Vachidemba Kutorerwa Masimba neMauto


VaRobert Mugabe, Amai Joyce Mujuru namuchakabvu Joseph Msika,State House, Harare, Oct. 2008 file photo.
VaRobert Mugabe, Amai Joyce Mujuru namuchakabvu Joseph Msika,State House, Harare, Oct. 2008 file photo.

Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChipiri vakadaidza vaimbova mutevedzeri wavo, Amai Joyce Mujuru, kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale muHarare vakakurukura nyaya dzakawanda.

Amai Mujuru vati vakataura nyaya dzakawanda kusanganisira kubviswa kwakaitwa VaMugabe pachigaro nemauto, uye kudzinga kwavakaita Amai Mujuru basa.

Amai Mujuru vati VaMugabe vari kuratidza kusafara nezvakaitika gore rapera apo vakabvutirwa masimba nemauto achitungamirwa naVaConstantino Chiwenga.

Aka ndekekutanga munhu achibuda pachena kuti aita hurukuro yakadai naVaMugabe kubva zvavakabviswa pachigaro muna Mbudzi gore rapera nemauto.

Amai Mujuru vatiwo vakakwanisa kutaura naAmai Grace Mugabe parunhare sezvo pavakasvika kumba kwavo vainge vasipo pamba.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMugabe kana Amai Mugabe kuti tinzwe divi ravo.

Muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwawo, vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Vaimbova mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakazivisa kare kuti havachataure vakamirira VaMugabe.

Amai Mujuru vati VaMugabe vari kuratidza kuva nehutano hwakanaka asi vakazorora havo vari pamudyandigere.

Hurukuro naAmai Joice Mujuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG