Accessibility links

Breaking News

IMF Yotumira Nhumwa kuZimbabwe asi Imwe Nyanzvi Inoti Hurumende Haisi Kuzokwereteswa Imwe Mari


Gavhuna John Mangudya.
Gavhuna John Mangudya.

Chimwe chikwata kubva kubhanga reInternational Monetary Fund chiri kutarisirwa kupinda munyika muna Kurume kuti chizeye nevakuru muhurumende kuti hupfumi hungagadziriswe sei.

Uhu hurongwa hunozivikanwa nekuti Article IV Consultations. Vamwe vakuru vehurumende vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vanoda kuti IMF ivabatsire nemari imwe yechikwereti.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Godfrey Kanyenze vanoti kana hurumende isina kubhadhara mari dzemitero kana kuti ma arrears pane zvimwe zvikwereti zvinodarika bhiriyoni imwe chete nemazana matanhatu kumabhanga akaita seWorld Bank neAfrican Development Bank.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG