Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vave neMuzukuru Mutsva


Amai Grace Mugabe naVaRobert Mugabe

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vave nemumwe muzukuru mushure mekunge mwanasikana wavo Amai Bona Chikore vabatsirwa nemumwe mwana.

Uyu mwana wechipiri mushure mekunge vabatsirwa nemumwe mwana mukomana Simbanashe muna 2016. Asi hapana anoziva kuti muzukuru mutsva uyu mukomana here kana musikana.

Amai Bona Chikore nemurume wavo Simbarashe Chikore vave nenguva vari kunze kwenyika kunofungidzirwa kuti kuDubai.

Amai Grace Mugabe avo variwo kunze kwenyika vanonzi vakaenda kunogamuchira muzukuru wavo mutsva uyu asi VaMugabe vachisara vari munyika.

Vachinyora kuvatori venhau, VaPatrick Zhuwao vakati Amai Mugabe vainge vaenda kunze kwenyika kuno gamuchira makomborero. Asi VaZhuwao havana kutaura kuti mwana mutsva here ari kuenda kuno gamuchirwa.

VaZhuwao vari kurambawo kuti Amai Mugabe vane hurongwa hwekupinda munyaya dzezvematongerwo enyika vachiti vachaenderera mberi nekuchengeta nherera uye kugadzirisa nhaka yaVaMugabe kuburikidza neRobert Mugabe Foundation.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG