Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Voparura Hurongwa Hwekushandiswa kweMari Nhasi


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya nhasi vari kutarisirwa kuparura hurongwa negwara rekufambiswa kwemari kana kuti Monetary Policy Statement.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika nekudaro VaMangudya nevamwe vari muhurumende vanofanira kuuya nenjere dzinenge dzamambo Soromoni kuti nyika ibude mukanwa mamupere mairi.

Vamwe vakuru muRBZ vaudza Studio 7 kuti VaMangudya vachabata nyaya dzakaita sekushomeka kwemari mumabhanga. Kubhadhara zvikwereti zvine Zimbabwe kumabhanga akaita seWorld Bank neAfrican Development Bank.

Kudzorwa kwemari munyika nevamwe vemabhizimisi vainge vaiburitsa munyika nemukoto.

Vanonzi vachabatawo nyaya dzezviwanikwa uye nzira dzekusimudzira maindustry nekudzikisa huwandu hwezvinhu zvinotengwa kunze.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG