Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votumira Mashoko eNyaradzo kuMhuri yaVaTsvangirai


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yaVaTsvangirai vachivimbisa kuti hurumende ichashanda nemhuri yavo muhurongwa hwekuradzikwa kwavo.

VaMnangagwa vati VaTsvangirai munhu aikwanisa kushanda nemapato ose zvakabudawo pakuumbwa kwakaitwa hurumende yemubatanidzwa muna 2008.

VaMnagagwa vati vanogona kunge vasingawirirane nezvimwe zvakaitwa nebato reMDC, asi vanoremekedza zvikuru chido chaVaTsvangirai chekuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Mutungamiri wenyika ati nekuda kuzadzikisa chishuwo chaVaTsvangirai ichi ave kudaidzira musangano wezuva rose wevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika kuti vazeye nyaya iyi.

VaMnangagwa vatiwo hurumende ichabatsira mune zvose zvinodiwa parufu rwaVaTsvangirai sezvo vari munhu akashanda muhurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vatenda kuti nyika yarasikirwa nemunhu aida runyararo nekurwira hutongo hwejekerere.

Hurukuro naVaGeorge Charamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mwanakomana waVaTsvangirai, VaEdwin Tsvangirai, vanoti mhuri ichiri kurovana masoro kuti ione kuti VaTsvangirai vangaradzikwe rinhi.

VaEdwin Tsvangirai nevamwe vemhuri vari kuJohannesburg, South Africa pari zvino.

Asi pari zvino, mhuri yaronga kuti neMugovera paitwe hurongwa hwekurangarira VaTsvangirai kune imwe kereke muSouth Africa vasati vatakura mutumbi wavo kuenda kuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mutevedzeri waVaTsvangirai, VaElias Mudzuri, vanoti havana kupinda mumusangano waitwa neChina nevamwe vatsigiri veMDC kuHarvest House vachiti vaona zvisina kukodzera kuda kuita zvinokonzera mutauro parufu.

Vati pari zvino hurongwa hwavo hwakanangana nekuona kuti VaTsvangirai varadzikwa murunyaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG