Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoti Team Lacoste Yoonesa Chitsvuku Vaitsigira G40 muZanu-PF


Amai Grace Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
Amai Grace Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Sangano reZimbabwe Peace Project kana kuti ZPP rinoti mhirizhonga iri kuenderera mberi mubato reZanu-PF pakati pevanonzi vanotsigira mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa vanozivikanwa nekuti Team Lacoste nevaitsigira chikwata chakadzingwa chainzi chaitsigira Amai Grace Mugabe cheGeneration 40.

Vanofungidzirwa kuti ndeveG40 vanonzi vari kunyimwa chikafu uye kutyisidzirwa.

Nyaya yesarudzo dzemaprimary elections inonziwo iri kukonzera kunetsana kunotyisa zviri kupa kuti zvinhu zvisagadzikane. ZPP iri kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika kuti vamise mhirizhonga iyi.

Ongororo iyi yakatarisa mwedzi waZvita na Ndira ikaona kuti mhirizhonga iri kuwedzera.

Mukuru weZPP Muzvare Jestina Mukoko vanoti vakuru vemapato ezvematongerwo enyika vanofanira kutora matanho akaomarara kune vanoita zvemhirizhonga.

EU Yokurudzira Sarudzo Dzakachena

Zvichakadaro, mutevedzeri wemukuru wedare reEuropean Union Plenary VaFederica Mogherini vakaudza dare iri nemusi weChipiri kuti European Union inoda kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena uye kuchengetedza kodzero dzevanhu kuburikidza nekuremekedza bumbiro remutemo.

EU inoti kuti paitwe sarudzo dzakachena, yave kushanda nesangano reZimbabwe Electoral Commission zvikuru muchirongwa chekunyoresa vavhoti chebiometric voter registration.

Sangano iri rinoti riri kubatsirawo vatori venhau kuti vanyore nemazvo nyaya dzine chekuita nesarudzo.

VMogherini vanotiwo vanoda kuti EU itumire vaongorori ndokunge yakokwa neZimbabwe kusarudzo. Eu inoti inodawo kuti Zimbabwe itange kushanda zvakanaka neWorld Bank neIMF.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vakatotaurawo naCommssioner weEU VaNeven Mimica kumucheto wemusangano weAfrican Union.

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG