Accessibility links

Breaking News

RBZ neZimtrade Dzoyedza Kumutsiridza Mabhizimisi emuBulawayo


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) Doctor John Mangudya .
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) Doctor John Mangudya .

Reserve Bank of Zimbabwe ichishanda neZimtrade svondo rino riri kuparura hurongwa hwekuyedza kumutsiridza maindasitiri ekuBulawayo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kuwiririrana kuti zviri kuda kuitwa izvi zvinoshanda here kana kuti kwete.

Nhumwa kubva kuRBZ neZimtrade dziri kutarisirwa kupinda muBulawayo nemusi weChitatu dzotaura nevemaindasitiri ava kusvika musi weChishanu.

Maindasitiri akawanda muBulawayo akavharwa nekusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira zvidzidzo paZimbabwe Ezekiel Guti University, Doctor Gift Mugano, vanoti zvekutumira chikwat kuenda kuBulawayo kupedzera hoko padehwe retsindi sezvo zviri kuda kuitwa zvichizivikanwa.

Vati pane ongororo dzakaitwa nemasangano akaita saana Confederation of Zimbabwe Industries dzinotaura zvinoda kuitwa. Vatiwo chiri kunetsa inyaya yemari nekuti maindasitiri anoda mabhiriyoni maviri kuti asarambe achitatarika.

Doctor Mugano vatiwo kuti Bulawayo ibudirire inofanira kukwanisa kukwikwidzana nemamwe makambani ari kuchamhembe kweAfrica vachiti mitero inobhadharwa muZimbabwe yakawandisa zvekuti inogona kupa kuti vekunze vasade kuita bhizimisi neZimbabwe.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCalvin Mdzingiri, avo vanodzidzisa paUniversity of the Free State kuSouth Affrica, vati vanotenderana naDoctor Mugano vachiti zvinoda kuitwa yave garoziva.

Vatiwo zvakakosha kuti pave neongororo yekuti maindasitiri anoda kuvhurwa ane zvaanokwanisa kutengesa nyore kuvanhu.

Mumiriri weMpopoma-Pelandaba mudare reparamende vari nhengo yeZanu-PF, VaJoseph Tshuma, vati zvinhu zvakakosha kuti maindasitiri emuBulawayo amutsiridzwe.

Asi nhengo yeparamende inomirira Bulawayo East mudare reparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vati Zanu-PF iri kuda kubata vanhu kumeso.

MuZimbabwe vamwe vakazvimirira vanoti vanhu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa nenyaya yekuvharwa kwemaindustry.

Ongororo yakaitwa ne International Monetary Fund inoratidza kuti Zimbabwe inyika iri pachidanho chechipiri pasi rose kuva nevanhu vanozviitira mabasa emaoko kana kuti informal sector.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG