Accessibility links

Breaking News

Hurumende kutanga nhasi inoti inenge yadzikisa mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wemhando yeDiesel 50 kubva pamari inosvika dhora rimwe nemakumi matatu kusvika padhora nemakumi maviri nemaviri.

Mutengo mutsva uyu uri kuuya apo hurumende iri kuti kutanga musi wa 1 Chivabvu inenge yorambidza kutengeswa kwedhiziri remhando yeDiesel 500 richinzi rine sulphur yakawanda inonzi iri kukuvadza injini dzemotokari dzakawanda.

Zimbabwe Energy Regulation Authority kana kuti ZERA inoti mutengo wedhiziri wadzikira sezvo rave kuuya nemapombi eFeruka zvinova zvakachipa pane kuiunza nemarori.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio muAmerica Doctor Elliot Masocha vanoti zvaitwa nehurumende izvi zvakakosha zvikuru mukumutsiridza hupfumi hwenyika sezvo dhiziri richishandiswa nevemabhizimisi vakawanda muZimbabwe.

Vati vanotarisira kuti mitengo yezvinhu zvakaita sechikafu ichatangawo kuderera.

Hurukuro naDoctor Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG