Accessibility links

Breaking News

Dare reCongress muAmerica Rozeya Hukama hweNyika iyi neZimbabwe


VaEd Royce
VaEd Royce

Chimwe chikamu chekomiti yemuAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti Subcommitee on Africa, Global Health, Global Human Rights, and International Organizations chakaita musangano muWashington DC nezuro chichizeya nyaya yeremangwana reZimbabwe mushure mekunge vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiya basa.

Aikokera musangano uyu imwe nhengo yekomiti iyi VaChristopher Smith. Vakapa humbowo mudare iri vanoti vaimbove mumiriri weAmerica muZimbabwe VaCharles Ray, Murimi VaBen Freeth Doctor Chipo Dendere vanodzidzisa paAmherst Collegemuno muAmerica uye Amai Elizabeth Lewis mutevedzeri wemukuru wesangano reInternational Republic Institute.

Dr Dendere vanoti musangano uyu wainge wakakosha zvikuru sezvo wakapa mukana kuZimbabwe ne America kuti dziyedze kugadzirisa hukama.

VaSmith vakaudza dare iri kuti musangano uyu wainge wakanangana nekutsvagawo nzira dzekuunza hutongo hwejekerere muZimbabwe.

Vachitaurawo pamusangamo uyu, imwe nhengo yedare iri VaEd Royce vakati Zimbabwe inofanira kuve netarisiro yakanaka mune remangwana asi isingakanganwe chazuro nehope sezvo vamwe vari muhurumende iri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa vaityora kodzero dzevanhu mazuva aitonga vaive mutungamiri wenyika VaMugabe.

VaRoyce vakati sarudzo dziri kuitwa munyika gore rino dzinofanira kuve dzakachena uye vachiti hurumende inofanira kumira nyaya dzehuori. Vati hurumende yeAmerica inoda kutanga yaona kuti mitemo yaremekedzwa isati yabvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe.

VaRay vakaudza dare iri kuti kubviswa kwakaitwa VaMugabe kunopa America mukana wekuti iyedze kugadzirisa hukama hwayo neZimbabwe. Vakati Zimbabwe ikaita sarudzo dzakachena, zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vehurumende zvinofanira kubviswa.

Asi Amai Lewis vakati zvirango hazvifanire kubviswa sezvo zvichipa America mukana wekuti imanikidze hurumende yaVaMngangagwa kuti irambe ichivandudza zvinhu muZimbabwe

Nyaya yekupindira kwemauto munyaya dzesarudzo nezvematongerwo enyika yakazeyiwawo mudare iri zvichinzi mauto haafanire kuve aine chekuita nenyaya dzesarudzo.

Kuti izvi zvisaitike, vamwe vakapa kurudziro yekuti munyika mutumirwe vaongorori vekunze, asi VaFreeth vanoti izvi hazvibatsire nekuti dzimwe nguva kunoitwa mapungwe vanhu vachiitwa kafiramberi pasina vaongorori vanosvikako zvikuru kumamisha. Dr Dendere vakatsinhirawo mashoko aya.

Vedare iri vakachema chemawo nenyaya yekushaiswa mukana kwevanopikisa kuti vawane mukana wekutaurawo padzinhepfenyuro. Asi vedare ava Vachitungamirwa naVaRay vakarumbidza Studio 7 vachiti inopa mukana mapato ose.

Vamwe vakapinda mumusangano uyu ndiDoctor Frank Guni avo vakati vange vachida kuti dare iri rikokewo vamwe muhurumende yeZimbabwe kana kubato reZanu-PF.

Vanhu vakawanda zvikuru vakapinda mumusangano uyu kusanganisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nevamwe vachena vakawanda vakambogara muZimbabwe. America yakatanga kutemera vakuru veZimbabwe zvirango muna 2001 vachiipomera mgosva yekutyora kodzero dzevanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG