Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vokurudzira VaMnangagwa Kuti Vagadzirise Zvinetswa Sarudzo Dzisati Dzasvika


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNationa People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanonzi neChishanu chapfuura vakanyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa gwaro rino zvinyunyuto zvine chekuita nesarudzo zvavanoti zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutauriri waAmai Mujuru, VaGift Nyandoro, vanoti chikuru chiri pane zviri kudiwa naAmai Mujuru ndechekuti mauto asapindire mune zvesarudzo, uye kuti vavimbise nyika kuti mauto haazopindire mune zvinenge zvabuda musarudzo achiramba anenge akunda achiti anoda nhingi.

“Chinhu chikuru pane zvimwe zvavari kuda kutarisira kuti zvinge zvichiitwa inyaya dzekuti mauto eZimbabwe dai zvichibvira adudzire ruzhinji rwuchinzwa kuti whoever anonzi ahwinha musarudzo iyi havaneyi nechekuita kana kuzopindira kuti tinoda uyu, kana kuti kwete. Tiri kuti masoja ngaagare kuma barrack,” VaNyandoro vanodaro.

Vanotiwo pane mashoko avakawana ekuti pane mauto anodarika zviuru zvitatu akakandwa mumaruwa kuti vabatsire mukutsvagira Zanu PF rutsigiro vanenge vachishanda vakapfeka mbatya dzavo.

Asi vanoti Amai Mujuru vachakamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika pagwaro ravakavanyorera iri.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weZanu PF wemutungamiri wenyika, vaGeorge Charamba, kanawo mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo kuti tinzwewo divi reZanu PF panyaya iyi.

Asi VaNyandoro vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kugadzirisa zvinyunyuto zviri mugwaro iri sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakati pa 31 Chikunguru na 31 Nyamavhuvhu dzisati dzasvika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG