Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwadarika zviuru zvishanu nezana rine makumi manomwe nematanhatu kana kuti 5176.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kutarisirwa neMuvhuro kuita musangano wavo wepagore wechimakumi mana kana kuti 40th SADC Heads of State Summit vachishandisa michina yechizvino zvino.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika varizve gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga havasati vaita musangano nevashandi vemuzvipatara vave nemwedzi miviri vachiramwa mabasa
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid 19 munyika hwakwira kusvika pazana nevana kana kuti 104 mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vashaya neSvondo kuManicaland.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira nyika mukurangarira zuva remagamba vachiramba kuti hurumende yavo iri kutyora kodzero dzevanhu.
Zimbawe Lawyers for Human Rights yonunyuta nekubatwa kwae mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume uye mutori wenhau ane mukurumbira mukuburitsa nyaya dzehuori Hopewell Chin’ono .
Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika vave zana nevaviri kana kuti 102, muHarare muri imo mune vanhu vakawandisa vafa nechirwere ichi vanosvika makumi mashanu nevashanu kana kuti 55.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nemusi weChina vakadoma nhumwa mbiri kuti dziende kuZimbabwe uko kuri kunzi kwaberekera ingwe kuchityorwa kodzero dzevanhu nehurumende.
Kudomwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti vave gurukota rezvehutano, kwasimudza zvakare mutauro munyika.
Hurumende yeAmerica, kuburikidza nebazi rayo reTreasury Department, yatemera zvirango mumwe muzvinabhizimisi ane mukurumbira munyika, Va Kuda Tagwirei pamwe nekambani yavo yeSakunda Holdings.
Musika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange, kana kuti ZSE, wakavhurwa neMuvhuro mushure mekunge wambovharwa muna Chikumi sezvo hurumende yaipomera mamwe makambani mhosva yekuita huori.
Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti chimwe chave kupa kuti chirwere checoronavirus chipararire zvakanyanya munyika inyaya yekuti vakoti navanachiremba havana zvikwanisiro.
VaTawanda Muchehiwa, muzukuru wemupepeti mukuru webepanhau repadandemutande reZimlive, Mduduzi Mathuthu uyo ainge apambwa nevanofungidzirwa kuti vasori akawanikwa neMugovera manheru akatochwa zvakaipisisa.
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vashaya vari muzvipatara kuBulawayo.
Munyika hamuna kugadzikana zvichitevera hurongwa hwekuratidzira kuri kuda kuita nevanopikisa nemusi weChishanu uye kushaya kwegurukota rezvekurima, VaPerence Shiri.
Musika weZimbabwe Stock Exchange uri kutarisirwa kutanga kushanda nemusi weMuvhuro.
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira kusvika pamakumi mana nemumwe kana kuti 41 zvichitevera kufa kwemumuwe munhu mumwe chete kuManicaland.
Hurumende yeZimbabwe iri kukundikana kupa vemabhizimisi mari yechikwereti yayakavavimbisa mushure mekuwirwa nedambudziko recoronavirus
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamakumi matatu nevatanhatu zvichitevera kufa kwemumwe murume nemudzimai kuManicaland nechirwere ichi nezuro.
Vaimbova mutungamiri wehurumende yeBritain VaTony Blair vanoti vakagadzirira kuita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Rodhai zvimwe