Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotatarika Kupa veMabhizimisi Mari Yayakavavimbisa Munguva yeCovid-19


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Kunyange hazvo hurumende yakavimbisa kupa vemabhizimisi mari inosvika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora emunyika, kana kuti ZWD 18 billion, muna Chivabvu uye kupawo vemabhizimisi madiki neari pakati nepakati mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu emadhora emunyika kana kuti ZWD 500 million yekubatsira kuasimudzira mushure mekuwirwa nedambudziko reCovid-19, izvi zviri kunonoka kuitwa zvinova zvichapa kuti kumutsiridza hupfumi hwenyika kunetse.

Asi vachiparura hurongwa hwavo hwebhajeti, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati vanotarisira kuti homwe iyi ichabatsira kumutsiridza hupfumi hwenyika uho vakati vari kutarisira kuti huchaderera nezvikamu zvina nechidimu kubva muzana kana kuti 4,5% gore rino.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe Industries, Doctor Israel Murefu, vanoti zviri kutora nguva kuti vemabhizimisi vawane mari iyi.

Mutungamiri wesangano revanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET, VaSamuel Wadzai, vanotiwo hapana chavati vawana pamari yakavimbiswa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti mari yacho ishomawo pane iri kudiwa nevemabhizimisi.

Muzvinafundo Mugano vanoti hurumende iri kuzvisikirawo moto muziso nemimwe mitemo yairi kudzika yakaita sekuvhiringidza Econet kuita basa zvadzikisa zvakanyanya mari yemutero.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Instiute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotenderanawo nemaonero aya vachiti mari yemutero yaderera zvopa kuti hurumende iremerwe nemutoro wekubatsira vemabhizimisi sekuvimbisa kwayo.

Gurukota rinoona nezvemaIndasitiri, Doctor Sekai Nzenza, vaudza Studio 7 kuti vachiri kuunganidza humbowo huzere nezvenyaya iyi vasati vatipa mhinduro.

Kunze kwedambudziko recoronavirus, vemabhizimisi vagara vachinetsekana nenyaya yemagetsi, kushaya mafuta ekufambisa dzimotokari uye kushaya mari yekunze yekutenga zvikwanisiro uye nyaya yekushaya simba kwedhora remunyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG