Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Stock Exchange Yovhurwa Nyanzvi Dzichishora Hurumende neKuvhiringidza Hupfumi


Zimbabwe Stock Exchange

Musika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange, kana kuti ZSE, wakavhurwa neMuvhuro mushure mekunge wambovharwa muna Chikumi nekuti hurumende yaipomera mamwe makambani mhosva yekuita huori zvaipa kuti dhora renyika rishaye simba.

Asi dzimwe nyanzi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuvhara musika uyu kwaiva kukokera mhepo wakatakura mamera mutswanda.

Sachigaro weZSE, VaJustin Bgoni, vakazivisa padandemutande ravo reTwitter kuti musika uyu wainge wavhurwa mushure mekupinda panguva yakaoma zvikuru.

Asi makambani makuru akaita sePPC inogadzira simendi, Old Mutual neSeedco achiri kurambidzwa kuita basa sezvo ari kuongororwa nebazi reReserve Bank of Zimbabwe, reFinancial Intelligence Unit, achinzi aipesvedzera kutengeswa kwemari pamusika mutema zvinova zviri kunzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ndezvemugotsi matsuro.

Mutsamba yavo kuvatori venhau pakuvhura musika uyu zvekare, gurukota rinoona nezvehupfumi, Muzvinafundo Mthui Ncube, vakati hurumende haidi kuti vemakambani vangoita madiro aJojina vachivhiringidza hupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti musika uyu hawaifanira kana kutombovharwa nekuti hapana nyika ingararame isina kutengeserana kunoitwa pauri

Imwe nyanzvi munya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabawe, Dr Prosper Chitamba, vanoti kuvhara ZSE kunopa kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi uye kushaya chivimbo nenyika munyaya dzekutanga mabhizimisi.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanoti zvakakosha kuti kuongororwa kwemhosva dzinonzi dzakaparwa kuitwe asi musika wakavhurwa.

Muna 2008 hurumende yakambotizve Zimbabwe Stock Exchange imbozvarwe kwechinguva mushure mekunge dhora remunyika rashaya simba zvakapinda munhoroondo yenyika dzepasi rose apo mitengo yezvhinhu yaikwira katatu pazuva.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG