Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Havasati Vaita Musangano naVanachiremba neVakoti Vari Kuramwa Mabasa


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika varizve gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, pamwe nemunyori mukuru mubazi rezvehutano, VaJasper Chimedza, havasati vaita musangano nevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba avo vave nemwedzi miviri vachiramwa mabasa.

Vari kuramwa mabasa vanoti vari kuda kuwedzerrwa mari uye kuti vawaniswe zvikwanisiro muzvipatara.

Asi vachitaura nezvekudomwa kwaVaChiwenga nemusi weChipiri svondo rapera, munyori mukuru mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vakati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vaida kuti VaChiwenga vatange basa nechimbi chimbire kugadzirisa zviri kunetsa mubazi rezvehutano munguva iyo nyika yatarisana nedambudziko reCovid-19.

Hatina kukwanisa kubata VaChiwenga kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi tabata munyori mukuru wesangano ravanachiremba reSenior Hospital Doctors Association Doctor, Aaron Musara, avo vanoti hakuna musangano wati waitwa.

Hurukuro naDr Aaron Musara
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vati hakuna chavati vanzwa kuvakuru mubazi rezvehutano nezvekugadzirisa zvichemo zvavo.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG