Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vafa neCovid-19 Hwosvika paMakumi Mana neMumwe


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira kusvika pamakumi mana nemumwe kana kuti 41 zvichitevera kufa kwemumuwe munhu mumwe chete kuManicaland.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwasvika pazviuru zviviri nemazana masere ane makumi manomwe nevapfumbamwe kana kuti 2, 879.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu makumi matanhatu nevaviri nechirwere ichi.

Pavanhu ava, makumi mashanu nevaviri vakachitapurirwa munyika, vamwe gumi nevaviri vakabva nacho kuSouth Africa.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vasvika mazana masere nemakumi masere nevanomwe kana kuti 887.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCoronavirus munyika kuri kuuya apo vashandi vemuzvipatara, kusanganisira vakoti navanachiremba, vari kuramwa mabasa.

Vamwe vakoti nanavachiremba vari kubatwawo nechirwere ichi.

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabawe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vanoti vamwe vakoti vave kudzingwa mudzimba dzekuroja neridzi vedzimba idzi vari kutyira kutapurirwa chirwere ichi.

Kuramwa mabasa uko kunonzi kwakapawo kuti vana vanomwe vazvarwe vakafa kuSally Mugabe Hospital muHarare sezvo kusina nyanzvi dziri kubatsora madzimai anenge akazvitakura aya.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana masere ane makumi masere nechimwe, kana kuti 871, 000 vabatwa neCovid-19 muAfrica yose.

Vanhu vafa vadarika zviuru gumi nezvisere nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 18,575.

Vapora vadarika zviuru mazana mashanu nemakumi maviri nezvitatu, kana kuti 523, 000.

Pasi rose, Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora nezvechirwere ichi munyika dzose inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematanhatu ane zviuru mazana masere, kana kuti 16,8 million, vabatwa nechirwere ichi.

Vafa pasi rose vadarikawo zviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nezviviri, kana kuti 662, 000.

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vafa vadarika zana nemakumi mashanu ezviuru, kana kuti 150,000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG