Accessibility links

Breaking News

Munyika Moita Kusagadzikana neNyaya yeRufu rwaVaShiri Uye Kuratidzira


VaPerrence Shiri
VaPerrence Shiri

Munyika hamuna kugadzikana zvichitevera hurongwa hwekuratidzira kuri kuda kuita nevanopikisa nemusi weChishanu uye kushaya kwegurukota rezvekurima, VaPerence Shiri.

Nemusi weChitatu, Politburo yeZanu-PF yakapomera dzimwe nhengo dzebato iri mhosva yekushanda nevanopikisa kuratidzira kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vabviswe pachigaro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vatori venhau neChitatu kuti nhengo yePolitburo, Amai Cleveria Chizema, vainge vamiswa kuva nhengo yebato nekuda kwekuti vainge vachishande nevamwe vavengi vebato kuda kupidigura hurumende.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mubato mune mapisha pisha uye kupumhana huori.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti munyika hamuchina kugadzikana nenyaya yekunetsana mubato reZanu-PF kwopa kuti hurumende ingogara ichiti mauto agare akadzipakatira.

Asi nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde, VaKindness Paradza, vanoti vekunze ndivo vari kuita kuti munyika musaite kugadzikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG