Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vorangarira Magamba Vachiti Hurumende Yavo Haisi Kutyora Kodzero dzeVanhu


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatungamira nyika mukurangarira zuva remagamba vachiramba kuti hurumende yavo iri kutyora kodzero dzevanhu.

Asi vanopikisa vanoti munyika maberekera ingwe zvapa kuti vanhu vanodarika makumi matatu vatize misha yavo. Mhemberero idzi ndedzechimakumi mana kubva nyika zvayawana kuzvitonga kuzere.

Vachitaura kuState House pazuva rekurangarira magamba enyika, VaMnangagwa vati pane vanhu vari kuda kusvibisa nyika vachishanda nehurumende dzekunze.

Zimbabwe inocherechedza zuva remagamba muvhiki rechipiri raNyamavhuvhu gore roga roga vanhu vachienda kunoungana kumarinda eHeroes Acre kunoradzikwa magamba muHarare uye kunovigwa magamba ematunhu mumativi mana enyika.

Asi rwendo rwuno kwangoenda VaMnangagwa nevamwe vatungamiri kunoisa maruva sezvo pari kutyirwa kupararira kwchirwere checoronavirus kana vanhu vakaungana.

VaMnangagwa vati vari kucherechedza magamba ose kubva kuChimurenga chekutanga kusvika chechipiri vachivimbisa kuvaka chimwe chiumbwa chaGeneral Mtshane Khumalo vaitungamira mauto aMambo Lobenguka muna 1893.

Vanoti ichi chiremekedzo sechakapiwa Mbuya Nehanda vane chiubwa chiri kuvakwa muHarare. Vati Magamba ose aya ainge akazvipira zvikuru.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaClifford Hlatswayo vanoti hapana chekupemberera kana vanhu zvikuru nhengo dzebato ravo dzichisungwa nekutyorerwa kodzero dzavo sezvaiitwa pahutongi hwaIan Smith munguva yeRhosedia.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development VaClaris Madhuku vanoti zuva remagamba rakasiyana nemamwe makore sezvo riri kupembererwa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vashaya asi hama dzavo dzichiti vasaradzikwe paHeroes Acre.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti zuva remagamba rakakosha asi rinokanganiswa nevanotyora kodzero dzevanhu.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti nzvimbo inovigwa magamba icharamba ichikosheswa zvisinei kuti magamba akaita saVaMugabe akaramba kuvigwa ikoko.

Vatiwo kunyange munhu akapihwa ruremekedzo rwegamba anokwanisa kuvigwa kwaanoda kana kunodiwa nemhuri yake sezvakaitwa Oliver Mtukudzi uye Muzvinafundo Phineas Makhurane.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG