Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira kusvika pazana nevana kana kuti 104 mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vashaya neSvondo kuManicaland, mumwe achifira muchipatara mumwe kumba.
Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti riri kunetsekana zvikuru nekukwira kwoita huwandu hwevanhu vari kufa vari kudzimba vakawanda vachibatwa kuti vainge vaine chirwere ichi vatoshaya.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwakwirawo kusvika pazviuru zvina nemazana matanhatu anemakumi mana nemapfumbamwe kana kuti 4,649.
Pavanhu vabatwa nechirwere ichi ava, gwaro raburitswa nebazi rezvehutano rinoti pane vashandi vemuzvipatara kusanganisira vanachiremba, vakoti, nevamwe mazana mana nemakumi masere kana kuti 480 vabatwawo nechirwer ichi. Vanhu vapora vave chiuru chimwe chete nemazana mana ane makumi matatu nemanomwe kana kuti 1,437.
Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti kusamira zvakanaka munyaya dzezvehutano kuri kupa kuti kurwisa coronavirus kutonetse zvakanyanya.
Facebook Forum