Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanhu Vaviri Vofa neCovid-19 kuManicaland


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamakumi matatu nevatanhatu zvichitevera kufa kwemumwe murume nemudzimai kuManicaland nechirwere ichi nezuro.

Vanhu vanosvika zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro. Pavanhu ava, zana nemakumi masere nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi munyika, vamwe vaviri vakabva kuSouth Africa mumwe chete kuZambia.

Kunyangwe hazvo chirwere checoronavirus chave kupararira zvakanyanya munyika, hurumende iri kutatarika kugadzirisa zvinhu muzvipatara zvapa kuti vashandi vemo kusanganisira vakoti navanachiremba vapinde mumwedzi wechipiri vachiramwa mabasa.

Mutauriri wesangano ravanachiremba vakuru vemuzvipatara zvehurumende reSenior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara vanoti nemusi weChina vanenge vatangawo kuramwa mabasa nekuti hurumende yakundikana kugadzirisa zvichemo zvavo zvekuti vawedzerwe mari yemirhoro nekuwana zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kucoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakamboti hurumende yakagadzirira kuzeya nyaya yemihoro nevashandi asi kusvika parizvino zvienenge zvakona n’anga murapwa achida.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana masere ane makumi mana nemana kana kuti 844, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica.

Vanhu vafa vadarika zviuru gumi nezvinomwe ne mazana matanhatu anemakumi masere nevaviri kana kuti 17,682. Vapora vadarika zviuru mazana mana nemakumi masere nemapfumbamwe kana kuti 489, 000.

Pasi rose, Johns Hopkins university inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematanhatu ane zviuru mazana matatu kana kuti 16,3 million, kuchiti vafa vadarikawo zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu nechimwe kana kuti 651 thousand.

America yave nevanhu vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi matatu kana kuti vadarika 4, 2 thousand vabatwa nechirwere ichi. Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 147,00.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG