Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMDC Alliance Vopesana paNyaya yeKusazeyiwa kweNyaya yeZimbabwe neSADC


Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kutarisirwa neMuvhuro kuita musangano wavo wepagore wechimakumi mana kana kuti 40th SADC Heads of State Summit vachishandisa michina yechizvino zvino sezvo vasinga kwanise kusangana nekuda kwechirwere cheCovid-19 charura pasi rose.

Asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu muZimbawe vari kugunun’una kuti nyaya yekusagadzikana kwezvinhu muZimbabwe haisi mudariro.

United Nations, African Union, hurumende yeAmerica, European Union uye mabishopu ekereke yeRoman Catholic vanoti vari kushushikana nekwavanoti kutyorwa kwekodzeo dzevanhu muZimbabwe.

Asi hurumende kuburikidza nemakurukota ayo anoti rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa uye rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vari kuramba kuti munyika maberekera ingwe.

Vakawanda vari kuchema chema zvikuru nekusungwa kwemutori wenhau Hopewell Chin’ono uyo aiburitsa nyaya dzehuori uye mutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vakasungwa mazuva makumi maviri nemanomwe adarika vachipomerwa mhosva yekuda kupezvedzera mhirizhonga musi wa 31 Chikunguru.

Asi vaviri ava vari kuramba mhosva iyi. Vamwe vanopikisa vakawanda vari kuvhimwa semhuka nevasori nemauto eMilitary Intelligence uye vakaenda muhupoteri.

Mukuru munyaya dzezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti muZimbabwe hamuna dambudziko nekudaro vanotambira danho reSADC rekusazeya nyaya yeZimbabwe.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi munyori munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rinopikisa Muzvare Glady's Hlatywayo vanoti munyika maberekera ingwe.

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pamusanano weMuvhuro, mutungamiri wenyika yeMozambique VaFilipe Nyuse ndivo vari kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro weSADC kubva kuna VaJohn Pombe Magufuli vekuTanzania.

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Eric Masisi vari kutora chigaro chasachigaro weSADC Troika kubva kuna VaMnangagwa.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekukurudzira budiroro kunyangwe pasi rose rasangana nematambudziko makukutu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG