Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoti VaNgarivhume naVaChin'ono Votyorerwa Kodzero kuJeri reChikurubi


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume nemutori wenhau VaHopewell Chin'ono and
Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume nemutori wenhau VaHopewell Chin'ono and

Sangano remagweta reZimbawe Lawyers for Human Rights rinoti magweta emutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume uye mutori wenhau ane mukurumbira mukuburitsa nyaya dzehuori Hopewell Chin’ono havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa vaviri ava vari muhusungwa mujeri reChikurubi Maximum Prison ravakaendeswa pakati pehusiku hweChishanu kubva kuHarare Remand mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Magweta aya anoti vaviri ava vari kunyimwa chikafu chinoenderana nehutano hwavo uye vari kufamba vakaiswa ngetani dzemumakumbo. Vakuru vemajeri vanonzi vari kunoti zvavari kuita zviri kubva kumusoro.

Vaviri ava havanawo kupihwa majuzi ekupfeka achinzi akapera. Magweta avo anotiwo akarambidzwa kutaura navo muchivande sezvinodiwa nebumbiro remutemo nemusi weMugovera. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZimbabwe Prisons VaMeya Khanyezi kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Mune imwe nyaya, bepanhau reZimlive rinotiwo mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Noxolo Maphosa vakapambwa kuBulawayo ndokurohwa nekumbunyikidzwa nevanofunidzirwa kuti vasori vaitsvaga sekuri vake VaJosphat Ngulube nenyaya yekuratidzira kwaida kuitwa mwedzi wapera. Hatinawo kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Mudha Ncube sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Vakawanda vanopikisa hurumende vakatiza misha vachitya kuitwa kafiramberi. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanagwa vakati vamwe vanpokisa ava matoro izvo zviri kushorwa nevakawanda kusanganisira munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Gutterez

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG