Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, Vanodoma Nhumwa Mbiri Kuenda kuZimbabwe


Imwe nhumwa yaVaCyril Ramaphosa ndaAmai Baleka Mbete.
Imwe nhumwa yaVaCyril Ramaphosa ndaAmai Baleka Mbete.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nemusi weChina vakadoma nhumwa mbiri kuti dziende kuZimbabwe uko kuri kunzi kwaberekera ingwe kuchityorwa kodzero dzevanhu nehurumende.

Vakadomwa kuenda kuZimbabwe ndevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSouth Africa, uye vakambovewo mutauriri wedare reparamende, Amai Baleka Mbete uye gurukota rezvevasori muSouth Africa, VaSydney Mufamadi.

Paitawo ropa rakaipa pakati peZanu-PF neANC zvopa kuti pakandiranwe makobvu nematete.

Vaive mutungamiri wenyika yeBotswana, VaIan Khama, vatiwo vari kushushikana nenyaya iri kupomerwa Zimbabwe yekutyora kodzero dzevanhu.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti sebato reZanu PF vanotambira nemufaro danho ratorwa naVaRamaphosa rekutumira nhumwa vachiti izvi zvichaburitsa pachena manyepo ose anga achiburitswa pamadandemutande ekuti muZimbabwe hamuna kugadzikana, hamuna runyararo.

Asi munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanoti sebato reMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, vatambira mashoko ari kubva kuSouth Africa ekuti vangabatsira sei matambudziko ari muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG