Accessibility links

Breaking News

VaKuda Tagwirei Vanotemerwa Zvirango neAmerica


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Hurumende yeAmerica, kuburikidza nebazi rayo reTreasury Department, yatemera zvirango mumwe muzvinabhizimisi ane mukurumbira munyika, Va Kuda Tagwirei pamwe nekambani yavo yeSakunda Holdings.

Mumashoko kuvatori venhau, America yati VaTagwirei vanoita zvinofungidzirwa kuti ndezvehuori vachiita mari kuburikidza nekushandawo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaTagwirei chipangamazano chaVaMnangangwa.

Asi America yabvisa pazvirango muchakabvu John Bredenkamp avo vaidyidzanao naVaMnangagwa.

Hatina kukwanisa kubata VaTagwirei kuti tinzwe divi ravo kanawo gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wati zvirango zvinotemerwa vanotyora kodzero dzevanhu nekuita huori.

America iri kuenderera mberi ichitemera zvirango vanhu nemakambani emuZimbabwe kunyange hazvo hurumende yaVaMnangagwa iri kupedza mari ichibhadhara makambani emuAmerica matatu ayo ari kuzama kuti zvirango izvi zvibviswe.

Vakuru vebato reZanu-PF vari kupomerawo America mhosva yekupesvedzera vanhu muZimbabwe kuti vapandukire hurumende.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti havasi kushamiswa nenyaya yekutemerwa zvirango kwaitwa VaTagwirei sezvo vagara vachipomerwa mhosva dzehuori dzisiri kuongororwa munyika.

Zvirango zvatakanga kutemerwa vatungamiri vehurumende yeZimbabwe muna 2003 nevaive mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, zvikawedzerwa makore nevaive mutungamiri wenyika iyi zvekare, VaBarack Obama pamwe naVaDonald Trump vari kutungamira pari zvino.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG