Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vafa neCovid-19 muZimbabwe Vadarika Zana


Gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri vakashayawo nechirwere cheCovid-19

Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika vave zana nevaviri kana kuti 104. MuHarare muri imo mune vanhu vakawandisa vafa nechirwere ichi vanosvika makumi mashanu nevashanu kana kuti 55.

Bulawayo ndiyo iri kutevera pavanhu vafa vanosvika makumi maviri nevatatu.

Dunhu reMasvingo chete ndiro risina kana munhu mumwe chete ati afa nechirwere ichi.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vadarika zviuru zvina nemazana mashanu ane makumi manomwe nemashanu kana kuti 4, 575. Vapora vachidarika chiuru chimwe chete nemazana mana ane gumi nevatanhatu kana kuti 1,416.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Brighton Chireka vanoti havo vanhu vazhinji vanopora kunyangwe vamwe vashoma vachida kuzoendeswa kuchipatara.

Hurukuro naDr Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dr Chireka vatiwo kudziya muviri, kurutsa, kutonhorwa zvakanyanyisa, kubvunda nezvimwe munongedzo wekuti munhu anogona kunge abatwa nechirwere ichi.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vafa vadarika zviuru makumi maviri nemaviri ane mazana mapfumbamwe nevatatu kana kuti 22, 903. Vanhu vapora vadarika zviuru mazana masere nemakumi maviri kana kuti 720, 000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi memapfumbamwe ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 19, 6 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi matanhatu nemaviri kana kuti 162, 000.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana manomwe nemakumi maviri nemanomwe ane mazana mashanu kana kuti 727,000.

Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nerimwe nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 11,9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG