Mamwe makambani ari kumbovharwa zvichitevera kufa kwevamwe vashandi vaviri muHarare nekuda kwechirwere cheCovd-19.
Pavanhu ava zana negumi nevanhatu kana kuti 116 vakatapurirwa chirwere ichi munyika vamwe gumi nevanomwe vakabva kuSouth Africa
Munyika maita kukandirana makobvu nematete mushure mekunge rimwe gweta Doctor Alex Magaisa vaburitsa mazita evanhu vanonzi vakapihwa mazidzamatsama emari neRBZ.
Kusgadzikana munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika kwopa kuti mauto nemapurisa agare akadzipakatira achiti vanhu vave kuda kupodigura hurumende nechisimba
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira neChipiri kusvika pamakumi maviri mushure mekunge bazi rezvehutano razivisa kuti pane mumwe mwana
Vanhu vanozviitira mabasa emaoko vanoti vari kufara kuti vave kubvumidzwa kutanga kushanda mumadhorobha akasiyana siyana asi vanotiwo mari dzavari kunzi vabhadhare dziri kupa kuti vakawanda vavo vagare havo mudzimba.
South Africa iyo ine vanhu vanodrika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nevana kana 264,000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 ndiyo myika ine vanhu vakawandisa muAfrica yose vabatwa nechirwereichi.
Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwere checovid 19 munyika hwakwira kusvika pagumi nevasere kana kuti 18 mushure mekunge vamwe vanhu vashanu vashaya.
Sangano revakoti reZimbabwe Nurses Association rinoti riri kushushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kupa vashandi vemuzvipatara zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.
Zvichitevera kugunun’una kwakanyanya munyika nekunze nenyaya yehuori muhurumende, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagawa, vakazomanikidzwa kudzinga basa gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, avo vari kupomerwa mhosva yehuori.
Masangano akakosha ekunze ari kutsika madziro panyaya yekubatsira Zimbabwe munyaya dzezvehupfumi izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zvave kukonzera kusagadzikana munyika.
Amai vemutungamiri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanonzi vashaya nhasi mushure mekurwara kwenguva pfupi.
Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende yatangazve humwe hurongwa kwekutsvaga vekushanda navo kukambani yeZiscosteel iyo yave nemakore yakavharwa ichitadzawo kubhadhara vashandi vayo mari.
Mutungamiri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa vaita musangano nevatsigiri vavo pandandemutande kana kuti e-rally.
Bazi rezvehutano rinoti mumwe mudzimai wemuHararare ane makore makumi maviri nerimwe okuberekwa akashaya nemusi weMugovera nechirwere cheCovid19.
Mhuri yeZimbabwe yakabatana neChitatu mukurangarira gamba renyika Doctor Joshua Nkomo avo vasvika makore makumi maviri nerimwe vashaya.
Nyaya yekumbovharwa kwemusika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange kana kuti ZSE nehurumende kwave kukonzera kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti pane mapurisa mashanu akabatwa nechirwere cheCovid19.
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere checoronavirus munyika hwakwira kusvika pavanomwe mushure mekunge mumwe murume ane makore makumi mana nemapfumbamwe ashaya kuBulawayo.
Danho reReserve Bank of Zimbabwe rekumbovhara zvimwe zviri kuitwa nemakambani enharembozha munyaya dzekufambiswa kwemari kana kuti mobile banking uye kumisa musika wekuteneserana kana kuti Zimbabwe Stock Exchange rakonzera mutauro wakanyanya munyika.
Rodhai zvimwe