Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanhu Vashanu Vofa neChirwere cheCovid-19 muNyika


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira kusvika pagumi nevasere kana kuti 18 mushure mekunge vamwe vanhu vashanu vashaya.

Vanhu vatatu vakafa vari munharaunda dzakasiyana siyana vamwe vaviri vakafa vari munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vaabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino vanosvika mazana mapfumbamwe nemakumi masere nevashanu kana kuti 985. Izvi zvinotevera kubatwa kwevamwe vanhu vatatu nechirwere ichi nezuro. Pavanhu ava, vaviri vakabva kuSouth Africa uye mumwe akachitapurirwa munyika.

Harare ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vanosvika mazana maviri nemakumi masere nemasere kana kuti 288 ichiteverwa neBulawayo ine vanhu zana nemakumi masere nevatatu 183, Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa nechirwere ichi vanova gumi nemumwe.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vanosvika mazana matatu nemakumi maviri kana kuti 320. Vanhu vavhenekwa chirwere ichi munyika vadarika zviuru makumi masere nezvisere kana kuti 88 000.

Kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nekufa kwechirwere checoronavirus huri kuramba huchiwedzera, vashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vave nemazuva makumi maviri nematanhatu vachiramwa mabasa nekuda kwekushomeka kwemari dzavari kutambiriswa.

Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chegurukota rezvehutano VaAmon Murwira sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakaudza dare resenate kuti hurumende yakazvipira kuita hurukuro nevashandi vayo vari kuramwa kuita mabasa.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti vari kusangana Muvhuro uno neveHealth Services Board vanoona nezvemari dzinotamburiswa vashandi vemuzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG