Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vakawanda Vari Kubatwa neChirwere cheCovid-19 Vachiita Basa Ravo


Vakoti vachiratidzira
Vakoti vachiratidzira

Sangano revakoti reZimbabwe Nurses Association rinoti riri kushushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kupa vashandi vemuzvipatara zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevakoti gumi nevasere nechirwere ichi pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kana kuti UBH mushure mekurapa mumwe murume ainge aine chirwere ichi.

Mwedzi wapera vamwe vakoti gumi nevana vakabatwa nechirwere ichi pachipatara cheMpilo.

Vamwe vashandi vemuzvipatara paUBH kusanganisira vakoti navanachiremba makumi matanhatu nevasere vakambomanikidzwawo kumbogara kudzimba mushure mekurapa mumwezve murwere weCovid-19.

Mutauriri wesangano ravanachiremba vakuru reSenior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara, vakaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakatonyanya kuipa kuzvipatara zvematunhu zvisina zvekudzivirira vashandi zvakakwana.

Hatina kukwanisa kubata mukuru anoona nezvekurwisa chirwere ichi, Dr Agnes Mahomva, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutungamiri musangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvakoti nevamwe vashandi vemuzvipatara.

Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakwira kusvika pamazana masere nemakumi masere nevashanu, kana kuti 885.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kushushikanawo nekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munharaunda hwakakwira zvakanyanya neChitatu sezvo pavanhu makumi mapfumbamwe nevasere vakabatwa nechirwere ichi, makumi mana nevasere vakachitapurirwa munharaunda pasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi munyika vave mazana maviri nevatanhatu, kana kuti 206.

Vanhu vafa vachiri vapfumbamwe uye vavhenekewa chirwere ichi munyika yose vadarika zviuru makumi masere nezviviri kana kuti 82,000.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG