Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorangarira Gamba reNyika, Doctor Joshua Nkomo


Dr Joshua Nkomo (mufananidzo kubva ku AP)

Mhuri yeZimbabwe yakabatana neChitatu mukurangarira gamba renyika, Doctor Joshua Nkomo, avo vasvika makore makumi maviri nerimwe vashaya.

Doctor Nkomo vakaberekwa muna Chikumi 1917 uSemukwe Reserve kuMatabelaland South vakashaya muna 1999.

Vakambodzidzisa kuKezi vasati vaenda kuSouth Africa kunowedzera dzidzo kunova kwavakasangana negamba rerusununguko renyika iyi, muchakabvu Nelson Mandela, nevamwe.

VaNkomo vakashanda kuRhodesian Railways uko vakatungamira kuratidzira kwevashandi muna 1948.

Muna 1962 vakazoumba bato reZapu iro rakapatsanuka pachiumbwa Zanu PF muna 1963. VaNkomo vakazosungwa muna 1964 vakapedza makore gumi vari kujeri reGonakudzingwa.

Pavakabuda mujeri vakaenderera mberi nechimurenga vachitungamira mauto eZIPRA aiva pasi peZapu kusvika nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Vakakwikwidza musarudzo dzemuna 1980 bato ravo rikakundwa neZanu PF yaitungamirwa namuchakabvu Robert Mugabe.

VaNkomo vakaitwa gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika asi pakabva patanga kunetsana kweZanu PF neZapu.

Mushure mekusungwa kwevakuru vebato ravo vakaita saVaDumiso Dabengwa naVaLookout Masuku vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, Doctor Nkomo vakamanikidzwa kuenda kuhupoteri kuBritain muna 1983 kwemakore mana asi panguva iyi pakatangwa hondo yeGukurahundi kuMatabelaland neMidlands iyo yakasiya vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri vafa.

Mauto eFifth Brigade akadzidziswa zvehondo kuNorth Korea ndiwo anopomerwa mhosva yekuponda vanhu vasina mhaka kumatunhu aya.

VaMugabe vakafa vasina kukumbira ruregerero vakati iyi yaive nguva yekupenga.

Asi muaturiri wavo kwemakore akawanda, VaGeorge Charamba, vakati hapana chekukukumbira ruregerero sezvo yaive hondo.

Gukurahundi yakapera muna 1987 pakanyoreranwa chibvumirano cheUnity Accord pakati peZanu PF neZapu.

VaNkomo vakazoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika pakavandudzwa bumbiro remutemo.

Munyori mukuru mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vati Zimbabwe inofanisa kukoshesa runyararo nekubatana sezvaikosheswa naVaNkomo.

Kunyangwe mutungamiri wenyika, VaEmmeron Mnangagwa, vakavimbisa kugadzirisa nyaya yeGukurahundi pavakatora masimba vachitsigirwa nemauto muna 2017, kusvika pari zvino hapana chati chaitwa chinobatika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoti VaNkomo mucherechedzo wemunhu ainge akazvipira kubatanidza nyika.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG