Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri Vanofa neCovid-19 Munyika


A heath worker collects a sample from a woman for coronavirus testing during the screening and testing campaign aimed to combat the spread of COVID-19, in Diepsloot, north of Johannesburg, South Africa, Friday, May 8, 2020. (AP Photo/Themba Hadebe)
A heath worker collects a sample from a woman for coronavirus testing during the screening and testing campaign aimed to combat the spread of COVID-19, in Diepsloot, north of Johannesburg, South Africa, Friday, May 8, 2020. (AP Photo/Themba Hadebe)

Apo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika, kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba kuri kuenderera mberi sezvo vari kutadza kuwirirana panyaya yemuhoro nehurumende.

Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira neChipiri kusvika pamakumi maviri mushure mekunge bazi rezvehutano razivisa kuti pane mumwe mwana akashaya ari muchipatara kuMatabeleland South. Vanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino vasvika chiuru chimwe chete nemakumi matanhatu nemana kana kuti 1,064.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi pari zvino mazana matatu ane makumi mana nevatatu kana kuti 343. Vanhu vavhenekwa chirwere ichi munyika vadarika zviuru makumi mapfumbamwe kana kuti 93,000.

Asi kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kudai, hurumende iri kutatarika kuwirirana nevashandi vemuzvipatara avo vasvika pazuva makumi maviri nemasere nhasi vachiramwa mabasa.

Vashandi ava vanyorera tsamba vakafanobata chigaro chegurukota rezvehutani, Muzvinafundo Amon Murwira, vachiti mari inodiwa nemushandi pane zvinhu zvakakosha pamwedzi yadarika madhora emunyika zviuru makumi maviri nepfumbamwe kana kuti ZW$29, 000 asi mushandi achitambira madhora zviuru zvina zvichidzika parizvino.

Vashandi vatiwo vachienzanisa nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica, vakoti vari kutambira chiuru chimwe chete nemazana maviri emadhora ekuAmerica asi muZimbabwe vachipihwa madhora makumi manomwe chete.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vati vakoti vatsika madziro panyaya yekuti vatambiriswe mari nemadhora emunyika sezvo mari iyi iri kushaya simba zuva nezuva.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Hatina kukwanisa kubata VaMurwira kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vachitaura mudare reseneti, gurukota rezvemari Muzvinfundo Mthuli Ncube, vakati hurumende yakazvipira kugadzirisa nyaya yemihoro yevashandi vayo.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi maviri nezvishanu, kana kuti 625 000 vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica, uye vapora vanodarika zviuru mazana matatu zvine gumi nezvitanhatu kana kuti 316 000.

Vanhu vafa vanosvika zviuru gumi nezvitatu nemazana masere ane makumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 13, 797.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG