Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura neZviuru neZviuru zveVatsigiri paDandemutande reInternet


VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa vaita musangano nevatsigiri vavo pandandemutande reinternet kana kuti e-rally muHarare.

Aka ndekekutanga mutungamiri webato munyika achiita musangano padandemutande nekuda kwekupararira kwechirwere checoronavirus munyika nepasi rose.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvakakwanisa kuteerera VaChamisa vachitaura nezvematambudziko atarisana nenyika. VaChamisa vati matambudziko atarisana nenyika ave kuda kubatana uye kuumba komiti inombofanobata matomhu zvinhu zvichigadziriswa kana kuti Transitional Authority.

Mashoko aVaNelson Chamisa nezvekomiti inofanotungamira nyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaChamisa vatiwo vachabatana nevose vanenge vachiratidzira kunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika. Pane vari kuronga uratidzira munyika yose musi wa 31Chikunguru vachinyunyuta nemamiriro aita zvinhu munyika.

Vashorawo nyaya yekudzingwa kuri kuitwa nhengo dzavo dzedare reparamende, senate nekanzuru nebato reMDC-T riri kufanotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe vachiti havanzwisise kuti munhu akakundwa musarudzo ange dzinga sei vaakakwikwidzana navo.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC-T VaKhalipani Phugeni vati vari kutevera mutemo pakudzinnga vavati vabuda musangano ravo.

Mashoko aVaKhalipani Phugeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipindura panyaya yekuti paitwe Transional Authority, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati izvi hazvisi kuzoitika sezvo vachiti Zanu-PF yakakunda musarudzo zvine mutsido nekudaro inofanira kuregwa ichitonga.

Mashoko aVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika nevemakereke vanoti munyika mave kuda nhaurirano nekuti Zanu-PF yaremerwa nenjunga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG