WASHINGTON DC —
Amai vemutungamiri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanonzi vashaya nhasi mushure mekurwara kwenguva pfupi.
Mutauriri webato reMDC Alliance Muzvare Fadzayi Mahere vatumira mashoko kuvatori venhau vachizivisa nezverufu urwu. Muzvare Mahere vati Ambuya Chamisa vashaya vari kumba kwavo kwaGutu kuMasvingo. Vatiwo hurongwa hwekuradzikwa kwavo huchaziviswa nekufamba kwenguva.
Facebook Forum