Accessibility links

Breaking News

Kumiswa kweEcocash neMamwe Makambani Kufambisa Mari Zhinji Kwokonzera Mutauro


Danho reReserve Bank of Zimbabwe rekumbovhara zvimwe zviri kuitwa nemakambani enharembozha munyaya dzekufambiswa kwemari kana kuti mobile banking uye kumisa musika wekutengeserana kana kuti Zimbabwe Stock Exchange rakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Bhanga iri riri kupomera mamwe makambani aya mhosva yekupa kuti dhora remunyika rishaye simba nekutenga nekutengesa mari pamukoto.

Asi makambani aya anoti ari kuzorwa mafuta enguruve yaasina kudya. Ecocash yaburitsa mashoko kuvatori venhau ichiudza vanhu kuti RBZ yamisa zvekutumira mari zhinji pakati pemakambani nevanhu.

Vamwe vanoti hurumende iri kuda kupumha huroyi vanhu vasina mhaka nekutadza kwayo kutungamira nekugadzirisa hupfumi.

Asi nhengo yeZanu-PF vari nyanzvi munyaya dzemabhanga VaGilbert Muponda vanoti zvakakosha kuti hurumende iferefete zviri kuitwa nemakambani aya zvikuru nyaya yekuti ari kutenga madhora emunyika pamukoto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG